Akadanidzira nenzwi guru achiti:
“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!
Rava musha wamadhimoni
nougaro hwemweya yose yakaipa,
ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
Nokuti ndudzi dzose dzakanwa
waini inopengesa youpombwe hwaro.
Madzimambo enyika akaita upombwe naro,
uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”
Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:
“Budai mariri, vanhu vangu,
kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,
kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;
nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,
uye Mwari arangarira mhosva dzaro.
Ritsivei semabasa arakaita;
ritsivei kaviri pane zvarakaita.
Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.
Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze
sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.
Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,
‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi,
uye handingatongochemi.’
Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:
rufu, kuchema, nenzara.
Achaparadzwa nomoto,
nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.
“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti:
“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,
Iwe Bhabhironi, guta resimba!
Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’
“Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve, nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
“Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza uye vachadanidzira vachiti:
“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,
wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,
uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!
Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’
“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.