Zvakazarurwa 14:10-11
Zvakazarurwa 14:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”
Zvakazarurwa 14:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana. Hutsi hokutambudzika hwavo hunokwira nokusingaperi-peri; havana zororo masikati nousiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, noanogamuchira chiratidzo chezita racho.”
Zvakazarurwa 14:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana. Utsi hokurwadziwa kwavo hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi uye havana zororo siku nesikati, ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.”
Zvakazarurwa 14:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana. Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco.
Zvakazarurwa 14:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)