Zvakazarurwa 1:19-20
Zvakazarurwa 1:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi. Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.
Zvakazarurwa 1:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo nyora zvawaona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi; vakavanzika venyeredzi nomwe dzawaona muruoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndizvo kereke nomwe.
Zvakazarurwa 1:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino chipota uchinyora zvaunoona zviripo nezvichazovapo. Pane zvechakavandika ichi, chezvenyenyedzi nomwe, dzawaona muruoko rwangu rworudyi nezvigadzikiro zvinomwe zvendarama; nyenyedzi nomwe ndivo vatumwa vamasangano manomwe, zvigadzikiro zvinomwe ndiwo masangano manomwe.”
Zvakazarurwa 1:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo nyora ɀawaʋona, neɀiri’po, neɀicazoʋa’po shure kwaiɀoɀi; ɀakaʋanzika ɀenyeredzi nomŋe dzawaʋona muruʋoko rworudyi rwaŋgu, neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ɀendarama. Nyeredzi nomŋe ndiʋo ʋatumŋa ʋekereke nomŋe; neɀigadziko ɀemŋenje ɀinomŋe ndidzo kereke nomŋe.
Zvakazarurwa 1:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)