Mapisarema 8:1-9
Mapisarema 8:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro. Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi. Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo, munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake: makwai ose nemombe, nemhuka dzesango, neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
Mapisarema 8:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga. Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi. Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira? Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake. Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango; Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
Mapisarema 8:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu pasi pose zvapo. Imi mune mbiri inorumbidzwa kumusoro kwamatenga nemiromo yavacheche neyepwere, makaisa chokuzvidzivirira nacho kumhandu dzenyu, kudzimura vavengi navatsividzi. Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu, amakaita neminwe yenyu, mwedzi nenyenyedzi zvamakaisamo? Ndinoti: “Munhu chiiwo zvake wamunorangarira, iye munhuwo zvake wamunochengeta asi imi makatoita kuti munhu asiye paduku duku kuti ave saMwari. Muchimupa chiremba chembiri norukudzo. Makaita kuti ave ndiye anotonga mabasa amaoko enyu, mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, zvose: hwai nemombe uyewo mhuka dzomusango neshiri dzedenga nehove dzegungwa dzinofamba nomunzira dzomugungwa. TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu.”
Mapisarema 8:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose! Makaisa ʋumambo bgenyu kuɗeŋga. Pamiromo yaʋacece naʋanomŋa makaisa simba, Nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋenyu, Kuti munyaradze muʋeŋgi nomutsiʋi. Kana ndicicerekedza ɗeŋga renyu rose, iro ɓasa reminwe yenyu, Mŋedzi nenyeredzi ɀamakaroŋgedza; Munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Nomŋanakomana womunhu ɀamunomushanyira? Nokuti makamuita muɗuku ɀishoma kunaMŋari, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa. Makamuɓatisa ʋushe bgamaɓasa amaʋoko enyu; Makaisa ɀose pasi petsoka dzake. Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesaŋgo; Neshiri dzokuɗeŋga, nehoʋe dzeguŋgwa, Iɀo ɀose ɀinofamba nenzira dzeguŋgwa. Haiwa Jehova, Ishe weɗu, Zita renyu rakaiȿo‐naka sei panyika yose!
Mapisarema 8:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)