Mapisarema 73:21-25
Mapisarema 73:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika, ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi. Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu. Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
Mapisarema 73:21-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mwoyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu. Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu. Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya. Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
Mapisarema 73:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri. Kunyange zvakadaro zvazvo ndinoramba ndinemi nguva dzose munondibata ruoko rworudyi. Munonditungamirira namazano enyu mushure mezvo muchandigamuchira mumbiri yenyu. Ndiani wangu ari kudenga kusiya imi? Uye hapana chandinoda panyika kusiya imi.
Mapisarema 73:21-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mŋoyo waŋgu wakacema, Ndakaɓayiwa patȿo dzaŋgu. Ndakaŋga ndiri ɓenzi, ndisiŋgaziʋi cinhu; Ndakaŋga ndakafanana nemhuka pamberi penyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoramba ndinemi; Makaɓata ruʋoko rwaŋgu rworudyi. Mucandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamucira pakubginya. Ndianiko kuɗeŋga, kana musi’mi? Napasi hapana‐wandinoɗa kunze kwenyu.
Mapisarema 73:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)