Mapisarema 73:18-22
Mapisarema 73:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka. Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika, ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.
Mapisarema 73:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe. Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa. Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka. Nokuti mwoyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu. Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
Mapisarema 73:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina. Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri.
Mapisarema 73:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo munoʋaisa panotedza; Munoʋawisira pasi kuti ʋaparadzwe. Haiwa, ʋanoparadzwa kamŋe‐kamŋe! Ʋanopedzwa cose neɀinotyisa. Seɀakarotwa, kana munhu apepuka; Saiɀoɀo, Ishe, mucashoʋora mufananidzo waʋo, kana mucimuka. Nokuti mŋoyo waŋgu wakacema, Ndakaɓayiwa patȿo dzaŋgu. Ndakaŋga ndiri ɓenzi, ndisiŋgaziʋi cinhu; Ndakaŋga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
Mapisarema 73:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina. Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri.