Mapisarema 61:1-8
Mapisarema 61:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.
Mapisarema 61:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu. Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana mwoyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu. Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu. Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu. Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji. Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nezvokwadi, kuti zvimuchengete. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.
Mapisarema 61:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari teererai chichemo changu munzwewo munamato wangu. Ndinodanidzira ndiri kwakaperera nyika ndavakurasa mwoyo. Ndikwidzei padombo rakareba kupinda ini nokuti ndimi diziro rangu nhare yakasimba pakurwiswana nomuvengi. Regai ndigare zvangu mutendhe renyu nokusingaperi ndivande zvangu pasi pamapapiro enyu. Dzepfunde Nokuti imi Mwari munonzwa mhiko dzangu munondipa nhaka yavanotya zita renyu. Pamhidzirai upenyu hwamambo makore ake ngaasvike kuzvizvarwa nezvizvarwa. Ngaarambe ari pachigaro chokutonga nokusingaperi pamberi paMwari mwoyochena nokutendeka ngazvive naye. Naizvozvo ndichaimbira zita renyu ndichikurumbidzai pandinopira pazuva nezuva zvandakatsidza.
Mapisarema 61:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwai kucema kwaŋgu, Mŋari; Tererai munyeŋgetero waŋgu. Ndicaɗana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana mŋoyo waŋgu waziya; Ndiperekedzerei kuɗombo randisiŋgaȿikiri. Nokuti imi makaŋga muri ʋutiziro bgaŋgu, Neshoŋgwe yaŋgu yakasimba kwandiŋgatiza muʋeŋgi waŋgu. Ndicagara patente renyu nokusiŋgaperi; Ndicaʋanda munyasi mamapapiro enyu. Nokuti imi Mŋari makanzwa mhiko dzaŋgu; Makadzosa nhaka yaʋanotya zita renyu. Mucawedzera mazuʋa oʋupenyu bgamambo; Makore ake acaenzana naamarudzi mazhinji. Ucagara pamberi paMŋari nokusiŋgaperi; Mumugadzirire ʋunyoro neɀokwaɗi, kuti ɀimuceŋgete. Naiɀoɀo ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusiŋgaperi, Kuti ndiite mhiko dzaŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe.
Mapisarema 61:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)