Inzwai kucema kwaŋgu, Mŋari; Tererai munyeŋgetero waŋgu. Ndicaɗana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana mŋoyo waŋgu waziya; Ndiperekedzerei kuɗombo randisiŋgaȿikiri. Nokuti imi makaŋga muri ʋutiziro bgaŋgu, Neshoŋgwe yaŋgu yakasimba kwandiŋgatiza muʋeŋgi waŋgu. Ndicagara patente renyu nokusiŋgaperi; Ndicaʋanda munyasi mamapapiro enyu. Nokuti imi Mŋari makanzwa mhiko dzaŋgu; Makadzosa nhaka yaʋanotya zita renyu. Mucawedzera mazuʋa oʋupenyu bgamambo; Makore ake acaenzana naamarudzi mazhinji. Ucagara pamberi paMŋari nokusiŋgaperi; Mumugadzirire ʋunyoro neɀokwaɗi, kuti ɀimuceŋgete. Naiɀoɀo ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusiŋgaperi, Kuti ndiite mhiko dzaŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe.
Verenga chikamu Mapisarema 61
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 61:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo