Mapisarema 40:1-10
Mapisarema 40:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha. Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha ruvimbo rwake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa. Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva. Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu. Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.” Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha. Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.
Mapisarema 40:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakarindira-rindira Jehovha; Akarerekera kwandiri, akanzwa kuchema kwangu. Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha. Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema. Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo. Imi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva. Ipapo ndakati, “Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa ndakazvirairwa, Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.” Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva. Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.
Mapisarema 40:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakamira ndamirirazve TENZI, iye akarerekera kwandiri akanzwa chichemo changu. Akandiburitsa mugomba rinounga, kubva munhope yomunyakwe. Akanditsikisa padombo akatsigisa kufamba kwangu. Akaisa rwiyo rutsva pamuromo pangu, rumbo rwokurumbidza Mwari wedu; vazhinji vachazviona vakatya vachizovimba naTENZI. Akakomborerwa munhu anovimba naTENZI asingatsaukiri kuna vanozvikudza, kuvanhu vanoteterekera kuna vamwari vasirivo. TENZI Mwari makatiitira zvinhu zvizhinji, zvinhu zvinoshamisa zvamakatirongera. Hapana angaenzaniswe nemi. Dai kuri kuti ndinozviparidza ndichizvitaura hazvaiverengeka. Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira asi chamakandipa inzeve dzinonzwa. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuikumbiri. Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya Mubhuku rokumononora makanyorwa nezvangu muchinzi: ‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ” Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru.
Mapisarema 40:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakarindira‐rindira Jehova; Akarerekera kwandiri, akanzwa kucema kwaŋgu. Akandiɓuɗisa ʋo pagomba rokuparadzwa, nomudziʋa ramatope; Akamisa tsoka dzaŋgu paɗombo, akasimbisa kufamba kwaŋgu. Akaisa rwiyo rutȿa mumuromo maŋgu, rwokurumbidza Mŋari weɗu narwo; Ʋazhinji ʋacaɀiʋona, ʋacitya, Ʋacaʋimba naJehova. Wakakomborerwa unoita Jehova ciʋando cake. Usinehanya naʋanoɀikudza, naʋanotsaukira kunhema. Jehova Mŋari waŋgu, maɓasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifuŋgo yenyu kwatiri; Hapana‐uŋgaenzaniswa nemi. Kana ndikaɗa kuɀiɗudzira nokuɀireʋa, Haɀiŋgaʋereŋgwi nokuwanda kwaɀo. Imi hamufadzwi neɀiɓayiro neɀipiriso; Makandidziʋurira nzeʋe dzaŋgu; Ɀipiriso ɀinopiswa neɀeɀiʋi hamuna‐kuɀireʋa. Ipapo ndakati: Tarirai, ndaʋuya; Parugwaro rwakapetwa ndakaɀirairwa: Ndinofara kwaɀo kuita kuɗa kwenyu, Mŋari waŋgu; Ɀirokwaɀo murairo wenyu uri mumŋoyo maŋgu. Ndakaparidza mashoko omufaro paʋuŋgano huru; Tarirai, handiŋgadzori miromo yaŋgu, Jehova, munoɀiziʋa. Handina‐kuʋanza kururama kwenyu mumŋoyo maŋgu; Ndakaɗudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina‐kuʋanzira ʋuŋgano huru ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu.
Mapisarema 40:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)