Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 40:1-10

Nziyo 40:1-10 SCLBD

Ndakamira ndamirirazve TENZI, iye akarerekera kwandiri akanzwa chichemo changu. Akandiburitsa mugomba rinounga, kubva munhope yomunyakwe. Akanditsikisa padombo akatsigisa kufamba kwangu. Akaisa rwiyo rutsva pamuromo pangu, rumbo rwokurumbidza Mwari wedu; vazhinji vachazviona vakatya vachizovimba naTENZI. Akakomborerwa munhu anovimba naTENZI asingatsaukiri kuna vanozvikudza, kuvanhu vanoteterekera kuna vamwari vasirivo. TENZI Mwari makatiitira zvinhu zvizhinji, zvinhu zvinoshamisa zvamakatirongera. Hapana angaenzaniswe nemi. Dai kuri kuti ndinozviparidza ndichizvitaura hazvaiverengeka. Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira asi chamakandipa inzeve dzinonzwa. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuikumbiri. Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya Mubhuku rokumononora makanyorwa nezvangu muchinzi: ‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ” Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru.

Verenga chikamu Nziyo 40