Mapisarema 37:7-11
Mapisarema 37:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.
Mapisarema 37:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
Mapisarema 37:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa, nokuti vakaipa vachaparadzwa asi vanotarisira naTENZI vachava ndivo varidzi venyika. Kunongoita kanguva kaduku chete, vakaipa panenge pasisina. Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake anenge asisipo. Asi vanozvirereka vachava ndivo varidzi venyika vachazofara nokubudirira kukuru.
Mapisarema 37:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyarara pamberi paJehova, umurindire unyerere; Usaʋa neshuŋgu pamsoro pounofara panzira yake, Pamsoro pomunhu unoita mano akaipa aakafuŋga. Rega kutsamŋa, urashe hasha; Usaʋa neshuŋgu, ɀinoŋgotadzisa munhu. Nokuti ʋanoita ɀakaipa ʋacagurwa; Asi ʋanorindira Jehova ʋacagara nhaka yenyika. Kwasara ciŋguʋa ciɗuku, wakaipa haacazoʋi’po; Ɀirokwaɀo, iwe ucacerekedza ɀakanaka paaigara, asi haacazoʋi’po. Asi ʋanyoro ndiʋo ʋacagara nhaka yenyika; Ndiʋo ʋacafarikanya kwaɀo norugare rukuru.
Mapisarema 37:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)