Mapisarema 35:17-28
Mapisarema 35:17-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira riniko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba. Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso. Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera. Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, “Hekani, hekani! Meso edu akazviona.” Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu. Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu. Ngavarege kuti mumwoyo mavo, “Hekani, ndizvo zvatanga tichida;” Ngavarege kuti, “Tamumedza.” Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu. Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
Mapisarema 35:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika. Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.” Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe. Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu. Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu. Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro, ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.” Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa. Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.” Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
Mapisarema 35:17-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba. Ndichakutendai musangano guru; ndichakurumbidzai mugungano guru. Ngavarege kufara pamusoro pangu vanondivenga pasina mhosva, varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga pasina chikonzero. Havataure zvinorugare; vakazvinyararira zvavo munyika vanovarongera zvinhu zvounyengedzi. Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti, “Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.” Imi mazviona TENZI, musanyarare TENZI musave kure neni. Zvigwinhei mumuke mundimiririre; mundirwire, imi Mwari wangu naTENZI wangu. Ndipembedzei TENZI Mwari wangu; maererano noururami hwenyu varege kundidadira. Ngavarege kuzviti, “Hauchionaka, zvataida tazviona.” Ngaverege kuti, “Takamumedza.” Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa vanofarira nhamo dzangu. Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi. Regai vanoda kuti ndipembedzwe vadaidzire norufaro varambe vachiti, “TENZI mukuru anofarira kubudirira kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura zvokururama kwenyu uye nezvembiri yenyu zuva rose.
Mapisarema 35:17-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, mucatarira iɀoɀo kuȿikira riniko? Rwirai mŋeya waŋgu pakuparadza kwaʋo, Muɗikanwa waŋgu pashumba. Ndicakuʋoŋgai paʋuŋgano huru; Ndicakurumbidzai pakati paʋanhu ʋazhinji. Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu; Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kubgaira neziso. Nokuti haʋatauri rugare; Asi ʋanofuŋgira aʋo ʋanyerere panyika mashoko okunyeŋgera. Ɀirokwaɀo, ʋakandishamisira miromo yaʋo; Ʋakati: Hekani, hekani! meso eɗu akaɀiʋona. Makaɀiʋona, Jehova; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. Ɀimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yaŋgu, Mŋari waŋgu naShe waŋgu. Nditoŋgerei, Jehova Mŋari waŋgu, nokururama kwenyu; Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu. Ŋgaʋarege kuti mumŋoyo maʋo: Hekani, ndiɀo ɀataŋga ticiɗa; Ŋgaʋarege kuti: Tamumedza. Ŋgaʋanyadziswe, ʋaɀidzwe pamŋe cete, iʋo ʋanofarira kutambudzika kwaŋgu; Ŋgaʋafukidzwe nokunyara nokuɀidzwa, iʋo ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu. Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro, ʋafare, iʋo ʋanoɗa kururamiswa kwemhaka yaŋgu; Ŋgaʋarambe ʋaciti: Jehova ŋgaakudzwe, Iye, unofarira kufara kwomuranda wake. Ipapo rurimi rwaŋgu rucataura ɀokururama kwenyu, Neɀokurumbidzwa kwenyu zuʋa rose.
Mapisarema 35:17-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)