Kusvikira riniko nhai TENZI makangotarisa zvenyu kudai? Ndinunureiwo mukundirwisa kwavo mundinunurewo upenyu kushumba. Ndichakutendai musangano guru; ndichakurumbidzai mugungano guru. Ngavarege kufara pamusoro pangu vanondivenga pasina mhosva, varege kuchonyana maziso vaya vanondivenga pasina chikonzero. Havataure zvinorugare; vakazvinyararira zvavo munyika vanovarongera zvinhu zvounyengedzi. Vanondishamisira muromo kwazvo vachiti, “Toko waro, Toko waro. Tazvionera nameso.” Imi mazviona TENZI, musanyarare TENZI musave kure neni. Zvigwinhei mumuke mundimiririre; mundirwire, imi Mwari wangu naTENZI wangu. Ndipembedzei TENZI Mwari wangu; maererano noururami hwenyu varege kundidadira. Ngavarege kuzviti, “Hauchionaka, zvataida tazviona.” Ngaverege kuti, “Takamumedza.” Ngavanyadziswe vanyatsodumbirwa vanofarira nhamo dzangu. Ngavaputirwe nenyadzi nokuzvidzwa vanozviti ivo ndivo, ini vachindiisa pasi. Regai vanoda kuti ndipembedzwe vadaidzire norufaro varambe vachiti, “TENZI mukuru anofarira kubudirira kwomuranda wake.” Ipapo rurimi rwangu ruchakurukura zvokururama kwenyu uye nezvembiri yenyu zuva rose.
Verenga chikamu Nziyo 35
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 35:17-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo