Mapisarema 34:15-19
Mapisarema 34:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose
Mapisarema 34:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika. Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika. Akarurama anamadambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
Mapisarema 34:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maziso aTENZI ari pavarurami, nzeve dzake dzakarerekera kuchichemo chavo. Uso hwaTENZI hwakanangana navakaipa kuti vakanganwike panyika. Kana vakarurama vakachemera rubatsiro TENZI anovanzwa achivanunura munhamo dzavo dzose. TENZI ari pedyo navakasuruvara anoponesa vanenge varasa mwoyo. Nhamo dzawakarurama dzakawanda asi TENZI anomuponesa madziri dzose.
Mapisarema 34:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Meso aJehova anotarira ʋakarurama, Ʋuye nzeʋe dzake dzinonzwa kucema kwaʋo. Ciso caJehova cinoʋeŋga ʋanoita ɀakaipa, Kuti abvise ciyeʋudziro caʋo panyika. Ʋakarurama ʋakaɗana, Jehova akanzwa, Akaʋarwira panjodzi dzaʋo dzose. Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika, Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika. Wakarurama unamaɗambudzo mazhinji; Asi Jehova unomurwira aɓuɗe paari ose.
Mapisarema 34:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)