Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 34:1-22

Mapisarema 34:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Mapisarema 34:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu. Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara. Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete. Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi. Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose. Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira. Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa. Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa. Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha. Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka? Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera. Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere. Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika. Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika. Akarurama anamadambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose. Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa. Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva. Jehovha anodzikinura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.

Mapisarema 34:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndicharumbidza TENZI nguva dzose kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu. Ini ndinodada naTENZI. Dai varombo vakazvinzwawo vafare. Ngatikudzei TENZI pamwechete neni, ngatirumbidzei zita rake pamwechete. Ndakatsvaka TENZI akandipindura; akandinunura kunazvose zvaindityisa. Tarisai kwaari mupenye, naizvozvo uso hwenyu hauzombonyari. Murombo uya akachema TENZI akamunzwa akamununura kumatambudziko ake ose. Mutumwa waTENZI anokomberedza vanomutya achivanunura. Ravirai munzwe kunaka kwaTENZI, akakomborerwa munhu anopotera kwaari. Ityai TENZI imi vatsvene vake; vanomutya hapana chavanoshaya. Zvigondora zveshumba zvinoshaya chokubata, zvinonzwa nzara; asi vanotsvaka TENZI hapana chavanoshaya. Uyai vana mundinzwe; ndichakudzidzisai kutya TENZI. Ndiani anoda zvake upenyu anoda upenyu hurefu nokuwana upenyu hwakanaka? Zvidzore rurumi rwako kuuipi, miromo yako irege kutaura nhema. Siyana nouipi uite zvakanaka, tsvaka rugare urutevere. Maziso aTENZI ari pavarurami, nzeve dzake dzakarerekera kuchichemo chavo. Uso hwaTENZI hwakanangana navakaipa kuti vakanganwike panyika. Kana vakarurama vakachemera rubatsiro TENZI anovanzwa achivanunura munhamo dzavo dzose. TENZI ari pedyo navakasuruvara anoponesa vanenge varasa mwoyo. Nhamo dzawakarurama dzakawanda asi TENZI anomuponesa madziri dzose. Anochengetedza mapfupa ake ose hapana kana rimwe rawo rinotyorwa. Uipi huchauraya vakaipa vanovenga varurami vachapihwa mhosva. TENZI anonunura upenyu hwavaranda vake. Hapana anopotera kwaari anopiwa mhosva.

Mapisarema 34:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndicarumbidza Jehova ŋguʋa dzose; Rumbidzo yake icagara mumuromo maŋgu. Mŋeya waŋgu ucaɀirumbidza munaJehova; Ʋanyoro ʋacaɀinzwa, ʋakafara. Kudzai Jehova pamŋe cete neni, Ŋgatikudzise zita rake pamŋe cete. Ndakatȿaka Jehova, akandipindura, Akandisunuŋgura pakutya kwaŋgu kwose. Ʋakatarira kwaari, ʋakapenyeswa nomufaro; Ɀiso ɀaʋo haɀiŋgatoŋgonyadziswi. Murombo uyu wakacema, Jehova akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose. Mutumŋa waJehova unokomberedza ʋanomutya, Nokuʋarwira. Raʋirai henyu, muʋone kuti Jehova wakanaka; Wakakomborerwa munhu unoʋimba naye. Ityai Jehova, imi ʋatȿene ʋake; Nokuti ʋanomutya haʋana‐caʋanoshaiwa. Ʋana ʋeshumba ʋanoshaiwa, ʋanofa nenzara; Asi ʋanotȿaka Jehova haʋanecinhu cakanaka caʋaŋgashaiwa. Ʋuyai imi ʋana, munditerere; Ndicakudzidzisai kutya Jehova. Ndoupi munhu unoɗa ʋupenyu, Unoɗa mazuʋa mazhinji, kuti aʋone ɀakanaka? Dzora rurimi rwako pakutaura ɀakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura ɀinonyeŋgera. Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka; Tȿaka rugare, uruteʋere. Meso aJehova anotarira ʋakarurama, Ʋuye nzeʋe dzake dzinonzwa kucema kwaʋo. Ciso caJehova cinoʋeŋga ʋanoita ɀakaipa, Kuti abvise ciyeʋudziro caʋo panyika. Ʋakarurama ʋakaɗana, Jehova akanzwa, Akaʋarwira panjodzi dzaʋo dzose. Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika, Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika. Wakarurama unamaɗambudzo mazhinji; Asi Jehova unomurwira aɓuɗe paari ose. Unoceŋgeta mafupa ake ose; Hakuna‐nerimŋe rawo rinovuniwa. Ɀakaipa ɀicaʋuraya wakaipa; Ʋuye ʋanoʋeŋga ʋakarurama ʋacapiwa mhoȿa. Jehova unodzikinura mŋeya yaʋaranda ʋake; Hapana‐nomumŋe kunaʋanoʋimba naye ucapiwa mhoȿa.

Mapisarema 34:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)