Mapisarema 32:5-7
Mapisarema 32:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwavari. Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
Mapisarema 32:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati, “Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha;” Imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu. Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamungawanikwa; Zvirokwazvo kana mvura zhinji ichikukura, haingasviki kwaari. Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kuwira pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.
Mapisarema 32:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakareurura chitadzo changu kwamuri. Handina kuvanza uipi hwangu. Ndakati regai ndireurure zvikanganiso zvangu kuna TENZI. Imi makaregerera mhosva yechitadzo changu. Dzepfunde Naizvozvo munamati wose ngaanamate kwamuri panguva yenhamo, mapopopo emvura haambomusviki. Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda. Ndimi munondidzivirira nhamo. Ndimi munoita kuti kwandiri kununurwa kuve rumbo. Dzepfunde
Mapisarema 32:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakakuziʋisai ciʋi caŋgu, handina‐kuʋanza cakaipa caŋgu; Ndakati: Ndicaɀireʋurura kuɗarika kwaŋgu kunaJehova; Imi mukandikaŋganwira kuipa kweciʋi caŋgu. Saka ʋose ʋanotya Mŋari ŋgaʋanyeŋgetere kwamuri paŋguʋa yamuŋgawanikwa; Ɀirokwaɀo kana mvura zhinji icikukura, haiŋgaȿiki kwaari. Ndi’mi ciʋando caŋgu; mucandiceŋgeta ndirege kuwira pakutambudzika. Mucandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.
Mapisarema 32:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)