Mapisarema 30:8-12
Mapisarema 30:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti, “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here? Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro, kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Mapisarema 30:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha; “Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here? Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro; Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Mapisarema 30:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakachema kwamuri TENZI. Ndakanamata kwamuri TENZI. “Kudeuka kweropa rangu kunowaniseiko kana kudzika kwangu mugomba uye kupinda kwangu mugomba? Huruva ingakurumbidzei here? Ingataure nezvekutendeseka kwenyu here? Teererai TENZI mundinzwirewo ngoni TENZI ndibatsireiwo.” Makasandura kuungudza kwangu kukava kutamba. Makanditakanura saga mukandipfekedza rufaro kuitira kuti ndikuimbirei ndichirumbidza mbiri yenyu ndirege kunyarara TENZI Mwari wangu ndinokutendai nokusingaperi.
Mapisarema 30:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakacema kwamuri, Jehova; Ʋuye ndakakumbira kunaJehova; Ropa raŋgu riŋgandiɓatsireiko, kana ndiciɓurukira kugomba? Guruʋa riŋgakurumbidzai here? Riŋgaɗudzira ɀokwaɗi yenyu here? Inzwai Jehova, mundinzwirei tsitsi; Jehova, iʋai muɓatsiri waŋgu. Makashandura kucema kwaŋgu kukaʋa kutamba; Makasunuŋgura gumbu raŋgu, mukasuŋga ciʋuno caŋgu nomufaro; Kuti mŋeya waŋgu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehova Mŋari waŋgu, ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi.
Mapisarema 30:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)