Ndakacema kwamuri, Jehova; Ʋuye ndakakumbira kunaJehova; Ropa raŋgu riŋgandiɓatsireiko, kana ndiciɓurukira kugomba? Guruʋa riŋgakurumbidzai here? Riŋgaɗudzira ɀokwaɗi yenyu here? Inzwai Jehova, mundinzwirei tsitsi; Jehova, iʋai muɓatsiri waŋgu. Makashandura kucema kwaŋgu kukaʋa kutamba; Makasunuŋgura gumbu raŋgu, mukasuŋga ciʋuno caŋgu nomufaro; Kuti mŋeya waŋgu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehova Mŋari waŋgu, ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 30:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo