Mapisarema 28:6-9
Mapisarema 28:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo. Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake. Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.
Mapisarema 28:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa izwi rokukumbira kwangu. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; Mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka mwoyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu. Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake. Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.
Mapisarema 28:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ngaarumbidzwe nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu. TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu mwoyo wangu unovimba naye; anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara. Ndinomutenda norwiyo rwangu. TENZI ndiye simba ravanhu vake. Ndiye nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo, yokununura nayo muzodzwa wake. Nunurai vanhu venyu mukomborere nhaka yenyu. Ivai mufudzi wavo muvatakure nokusingaperi.
Mapisarema 28:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ŋgaaʋoŋgwe, Nokuti wakanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu. Jehova ndiye simba raŋgu nenhoʋo yaŋgu; Mŋoyo waŋgu wakaʋimba naye, ndikaɓatsirwa; Saka mŋoyo waŋgu unofara kwaɀo, Ndicamurumbidza norwiyo rwaŋgu. Jehova ndiye simba raʋo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake. Ponesai ʋanhu ʋenyu, muropafadze nhaka yenyu; Muʋafudze ʋo, muʋatakure nokusiŋgaperi.
Mapisarema 28:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)