Mapisarema 27:1-6
Mapisarema 27:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya? Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa. Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake. Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo. Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.
Mapisarema 27:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko? Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa. Kunyange hondo ikandikomba, Mwoyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha. Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake. Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo. Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza.
Mapisarema 27:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndiani wandingatye? Paupenyu hwangu, TENZI ndiye diziro rangu. Ndiani wandingatye? Kana vakaipa vondirwisa vachitaura zvakaipa nezvangu. Mhandu navavengi vangu vachadzadzarika vagowira pasi. Kunyange ndikakombwa nehondo mwoyo wangu haungatyi kunyange hondo ikandimukira kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo. Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete ichocho ndicho chandinotsvaka chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI mazuva ose oupenyu hwangu kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI uye kuti ndibvunzire kwaari muTemberi yake. Achandivanza mudumba rake pazuva renhamo; achandiviga pakavanda mutendhe yake, achandiisa pamusoro pedombo. Zvino ipapo ndichapasimudza musoro pamusoro pavavengi vangu vakandikomberedza. Ndichapira zvibayiro norufaro rukuru mutendhe yake. Ndichaimba, ndichiimbira TENZI rwiyo.
Mapisarema 27:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ndiye ciedza caŋgu noMuponesi waŋgu; ndiŋgagotya aniko? Jehova ndiye simba roʋupenyu bgaŋgu; ndiŋgagovunduswa naniko? Ʋaiti ʋeɀakaipa ʋakati ʋaciʋuya kwandiri kuzodya nyama yaŋgu, Iʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu naʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ʋakagumburwa ʋakawa. Kunyaŋge hondo ikandikomba, Mŋoyo waŋgu hauŋgatyi; Kunyaŋge ndikaʋiŋgwa nokurwa, Neŋguʋa iyo ndicaʋimba naJehova. Cinhu cimŋe cete ndakakumbira kunaJehova, ndico candicatȿaka; Kuti ndigare mumba maJehova misi yose yoʋupenyu bgaŋgu, Kuti ndiʋone kunaka kwaJehova, nokuraŋgarira mutembere yake. Nokuti nomusi wenjodzi unondiʋiga muɗumba rake, Ucandiʋanza pakaʋanda patente rake; Ucandikwiridza paɗombo. Ɀino musoro waŋgu ucasimudzirwa kumsoro kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanondikomba; Ndicamuɓayira ɀiɓayiro ɀomufaro patente rake. Ndicaimba, ɀirokwaɀo ndicaimbira Jehova nziyo dzokumurumbidza.
Mapisarema 27:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)