Mapisarema 25:16-22
Mapisarema 25:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose. Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo. Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai. Dzikinurai Isiraeri, imi Mwari, Panjodzi dzake dzose.
Mapisarema 25:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi nokuti ndiri ndoga uye ndinorwadziwa. Ndisunungureiwo kunhamo dziri mumwoyo mangu; ndinyurureiwo mukushushikana kwangu. Tarisai kutambudzika kwangu nokunetsekana kwangu mundiregererewo zvitadzo zvangu. Tarisai muone kuwanda kwakaita vavengi vangu uye muone kundipengera kwavanoita noruvengo vanondivenga. Ndichengetedzereiwo upenyu hwangu mundinunure. Musandirege ndichinyadziswa nokuti ndinopotera kwamuri. Kuva pachokwadi noururami ngazvindichengete nokuti ndinotarisira kwamuri. Mwari nunurai Isiraeri kumatambudziko ayo ose.
Mapisarema 25:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei! Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri. Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!
Mapisarema 25:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi nokuti ndiri ndoga uye ndinorwadziwa. Ndisunungureiwo kunhamo dziri mumwoyo mangu; ndinyurureiwo mukushushikana kwangu. Tarisai kutambudzika kwangu nokunetsekana kwangu mundiregererewo zvitadzo zvangu. Tarisai muone kuwanda kwakaita vavengi vangu uye muone kundipengera kwavanoita noruvengo vanondivenga. Ndichengetedzereiwo upenyu hwangu mundinunure. Musandirege ndichinyadziswa nokuti ndinopotera kwamuri. Kuva pachokwadi noururami ngazvindichengete nokuti ndinotarisira kwamuri. Mwari nunurai Isiraeri kumatambudziko ayo ose.
Mapisarema 25:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. Maɗambudziko omŋoyo waŋgu awanda kwaɀo; Haiwa, ndiɓuɗisei panjodzi dzaŋgu. Tarirai kutambudzika kwaŋgu nokurwadziwa kwaŋgu; Mundikaŋganwire ɀiʋi ɀaŋgu ɀose. Tarirai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, nokuti ʋazhinji; Ʋanondiʋeŋga nehasha dzembeŋgo. Ceŋgetai mŋeya waŋgu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinoʋimba nemi. Kusanyeŋgera nokururama ŋgaɀindiceŋgete, Nokuti ndinokumirirai. Dzikinurai Israeri, imi Mŋari, Panjodzi dzake dzose.