Mapisarema 25:1-5
Mapisarema 25:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri; haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda. Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero. Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu; nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
Mapisarema 25:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri. Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda. Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu. Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
Mapisarema 25:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri TENZI. Mwari wangu ndinovimba nemi, musandirege ndichinyadziswa; vavengi vangu ngavarege kunditsvinyira. Vose vanotarisira mamuri ngavarege kunyadziswa; asi vanonyengedza pasina chikonzero ngavanyadziswe. TENZI, ndiziviseiwo nzira dzenyu ndidzidziseiwo makwara enyu. Nditungamirireiwo muchokwadi chenyu mundidzidzise nokuti ndimi Mwari muponesi wangu. Ndinotarisira kwamuri zuva rose.
Mapisarema 25:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, ndinosimudzira mŋoyo waŋgu kwamuri. Mŋari waŋgu, ndinoʋimba nemi, Ŋgandirege kunyadziswa; Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ŋgaʋarege kundikunda. Ɀirokwaɀo, hapano‐munhu unokumirirai uŋganyadziswa; Ʋacanyadziswa ndiʋo ʋanonyeŋgera pasinecinhu. Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehova; Ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muɀokwaɗi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mŋari muponesi waŋgu; Ndinokutarirai zuʋa rose.
Mapisarema 25:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)