Mapisarema 22:25-27
Mapisarema 22:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi! Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake
Mapisarema 22:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya. Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; Mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi. Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
Mapisarema 22:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru, zvinotobva kwamuri, zvandakatsidza ndichazviita ndiri muvanhu vanokutyai. Varombo vachadya vakaguta vanomutsvaka vacharumbidza TENZI, dai mukangorarama nokusingaperi. Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu
Mapisarema 22:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kurumbidza kwaŋgu paʋuŋgano huru kunobva kwamuri; Ndicaripa mhiko dzaŋgu pamberi paʋanomutya. Ʋanyoro ʋacadya ʋakaguta; Ʋanotȿaka Jehova ndiʋo ʋacamurumbidza; Mŋoyo yenyu ŋgairarame nokusiŋgaperi. Migumo yose yenyika icaraŋgarira nokudzokera kunaJehova; Marudzi ose aʋahedeni acanamata kwamuri.
Mapisarema 22:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)