Mapisarema 2:1-3
Mapisarema 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.”
Mapisarema 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti, “Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.”
Mapisarema 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ivo vechirudzi, vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope marudzi avanhu achidai kuita bangano risina maturo. Madzimambo apasi ari kunyatsoungana, uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake musangano, vachiti: “Ngatidamburei zvitorobho zvavo titakanurire uko tambo dzavo.”
Mapisarema 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndudzi dzinoitireiko ɓope, Naʋanhu ʋanofuŋgireiko ɀisinamaturo? Madzimambo enyika anoɀigadzira, Naʋaɓati ʋanoraŋgana, Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti: Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo, Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri.
Mapisarema 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)