Mapisarema 18:37-50
Mapisarema 18:37-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha. Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu. Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera. Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu! Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu, anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba. Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza. Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.
Mapisarema 18:37-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Mapisarema 18:37-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.
Mapisarema 18:37-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.
Mapisarema 18:37-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata, Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa. Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka; Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu. Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira. Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga. Ʋakacema, asi kwakaŋga kusinaunoponesa, KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura. Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa pamberi pemhepo; Ndakaʋarashira kure samatope enzira dzomumusha. Makandirwira pakukakaʋadzana kwaʋanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira. Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa, Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri. Ʋatorwa ʋacatorerwa simba, Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera. Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe; Mŋari wokuponeswa kwaŋgu ŋgaarumbidzwe. Ndiye Mŋari unonditsiʋira, Unondikundisa ndudzi dzaʋanhu. Iye unondirwira kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira. Munondirwira pamunhu unomanikidza. Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi, Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro, Iye Davidi nomŋana wake nokusiŋgaperi.