Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:37-50
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo