Mapisarema 18:16-36
Mapisarema 18:16-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika. Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri. Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake. Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi. Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu. Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza. Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza. Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.
Mapisarema 18:16-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira. Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira. Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema. Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu. Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha. Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza. Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu. Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanovimba naye. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
Mapisarema 18:16-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake. Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama. Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.
Mapisarema 18:16-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakatambunudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. Wakandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba, Nokunaʋanondiʋeŋga, nokuti ʋakaŋga ʋondikurira. Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu, Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiri waŋgu. Wakandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira. Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu. Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova, Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera. Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu, Handina‐kusundira kure neni ɀaakatema. Ndakaŋga ndakarurama ʋo kwaari, Ndakaɀiceŋgeta ini paɀakaipa ɀaŋgu. Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Ɀakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu pamberi pake. Uneŋgoni munomuitira ʋo neŋgoni, Nomunhu wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama; Wakanaka munomuitira ʋo ɀakanaka, Nowakatsauka, munomuitira ʋo nehasha. Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika; Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza. Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu; Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu. Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo. Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye. Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
Mapisarema 18:16-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)