Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 18:16-36

Nziyo 18:16-36 SCLBD

Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake. Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama. Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.

Verenga chikamu Nziyo 18