Mapisarema 15:1-5
Mapisarema 15:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? Ndiani angagara pagomo renyu dzvene? Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva.
Mapisarema 15:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu? Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene? Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama, Anotaura zvokwadi mumwoyo make. Iye asina makuhwa parurimi rwake, Asingaitiri shamwari yake zvakaipa, Asingatuki waagere naye. Munhu akashata anozvidzwa naye; Asi anokudza vanotya Jehovha. Iye anoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari. Iye asingarevi mhindu pamari yake, Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva. Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozonunguswi.
Mapisarema 15:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndiani angagare mutendhe renyu? Ndiani angagare mugomo renyu rinoera? Munogarwa nomunhu ano upenyu huri pachokwadi, anoita zvakarurama uye anotaura chokwadi chake chaicho chinobva mumwoyo; munhu asingatauri makuhwa norurimi rwake; asingaitiri mumwe wake zvakaipa; asingatauri zvakaipa zvavamwe. Munhu anozvidza munhu akashata; asi anoremekedza vanoremekedza TENZI, anochengeta zvaanenge apika kuita kunyange zvichirwadza. Anokweretesa asingati akwereta ngaaise imwe mari pamusoro payo kana kutambira chioko muhomwe chokurwisa munhu asina mhosva. Munhu anoita zvakadai haatsukunyiki.
Mapisarema 15:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, ndianiko uŋgatsaukira mutente renyu? Ndianiko uŋgagara pagomo renyu dɀene? Uyo, unofamba asinemhoȿa, unoita ɀakarurama, Unotaura ɀokwaɗi mumŋoyo make. Iye usinamakuhwa parurimi rwake, Usiŋgaitiri shamŋari yake ɀakaipa, Usiŋgatuki waagere naye. Munhu wakashata unoɀidzwa naye; Asi unokudza ʋanotya Jehova. Iye unoti kana aciŋge apika, haaŋgazoshanduri shoko rake, kunyaŋge ɀikaʋa ɀakaipa kwaari. Iye usiŋgareʋi mhindu pamari yake, Kana kugamucira cipo pamsoro pousinemhoȿa. Munhu unoita ɀinhu iɀeɀi haaŋgatoŋgozunuŋguswi.
Mapisarema 15:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)