Mapisarema 146:3-9
Mapisarema 146:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa. Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina. Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake, Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi. Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa. Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama. Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
Mapisarema 146:3-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera. Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi; Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa; Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama; Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
Mapisarema 146:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usavimbe namachinda, kuvimba nomunhu asina chaanobatsira. Mweya wake paunobuda, anodzokera kuvhu rake, pazuva iroro zvirongwa zvake zvinobva zvaparara. Akakomborerwa zvake munhu anobatsirwa naMwari waJakobho anovimba naTENZI Mwari wake akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo anochengeta chitsidzo chake nokusingaperi. Anoona kuti vakadzvinyirirwa vaitirwa zvino ruenzaniso anopa chokudya vane nzara TENZI anosunungura vasungwa. TENZI anosvinudza meso amapofu TENZI anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo TENZI anoda vakarurama. TENZI anotarisa vatorwa anotsigira chirikadzi nenherera asi nzira yavakaipa anoiparadza.
Mapisarema 146:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kuʋimba namacinda, Kana nomŋanakomana womunhu, usiŋgagoni kuɓatsira. Mŋeya wake unoɓuɗa, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuʋa iro mano ake anopera. Unomufaro munhu uyo kana Mŋari waJakobo ari muɓatsiri wake, Unotarira kunaJehova Mŋari wake. Iye, wakaita kuɗeŋga napasi, Neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; Iye, unoramba akatendeka nokusiŋgaperi; Unoruramisira ʋanomanikidzwa; Unopa ʋanenzara ɀokudya; Jehova unosunuŋgura ʋasuŋgwa; Jehova unosinudza meso amapofu; Jehova unosimudza ʋakakotamiswa pasi; Jehova unoɗa ʋakarurama; Jehova unoceŋgeta ʋatorwa; Jehova unotsigira nherera necirikadzi; Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa.
Mapisarema 146:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)