Mapisarema 146
146
Jehovha Mubatsiri mukuru ngaarumbidzwe
1Hareruya!
Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu!
2Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu;
Ndichaimbira Mwari wangu nziyo
dzokurumbidza, ini ndichiripo.
3Regai kuvimba namachinda,
Kana noMwanakomana womunhu,
asingagoni kubatsira.
4Mweya wake unobuda,
iye ndokudzokera pasi pake;
Nezuva iro mano ake anopera.
5Anomufaro munhu uyo kana Mwari
waJakobho ari mubatsiri wake,
Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
6Iye, akaita kudenga napasi,
Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo;
Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
7Anoruramisira vanomanikidzwa;
Anopa vane nzara zvokudya;
Jehovha anosunungura vasungwa;
8Jehovha anosvinudza meso amapofu;
Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi;
Jehovha anoda vakarurama;
9Jehovha anochengeta vatorwa;
Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi;
Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
10Jehovha achabata ushe nokusingaperi,
Mwari wako, iwe Zioni, kusvikira
kumarudzi namarudzi.
Hareruya!
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 146: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002