Mapisarema 145:8-13
Mapisarema 145:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita. Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai. Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu, kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu. Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Mapisarema 145:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
TENZI akanaka uye ane tsitsi, haakurumidzi kushatirwa uye azere nemwoyochena. TENZI akanaka kumunhu wose uye ane tsitsi nechose chaakasika. Zvose zvamakasika zvichakutendai TENZI uye vatsvene venyu vose vachakutunhidzai; vachataura nezvembiri youmambo hwenyu vachikurukura nezvesimba renyu, kuzivisa vanhu simba ramabasa enyu uye mukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki. Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Mapisarema 145:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha anenyasha, azere netsitsi, Haachimbidziki kutsamwa, anengoni zhinji. Jehovha anomwoyo wakanaka kuna vose; Ngoni dzake dziri pamabasa ake ose. Mabasa enyu ose achakuvongai Jehovha; Navatsvene venyu vachakurumbidzai. Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, Nokuparidza simba renyu; Kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake anesimba, Nokubwinya kwoumambo hwohushe hwake. Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, Noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.
Mapisarema 145:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI akanaka uye ane tsitsi, haakurumidzi kushatirwa uye azere nemwoyochena. TENZI akanaka kumunhu wose uye ane tsitsi nechose chaakasika. Zvose zvamakasika zvichakutendai TENZI uye vatsvene venyu vose vachakutunhidzai; vachataura nezvembiri youmambo hwenyu vachikurukura nezvesimba renyu, kuzivisa vanhu simba ramabasa enyu uye mukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki. Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Mapisarema 145:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova unenyasha, uzere netsitsi, Haacimbidziki kutsamŋa, uneŋgoni zhinji. Jehova unomŋoyo wakanaka kunaʋose; Ŋgoni dzake dziri pamaɓasa ake ose. Maɓasa enyu ose acakuʋoŋgai Jehova; Naʋatȿene ʋenyu ʋacakurumbidzai. Ʋacataura ʋacireʋa kubginya kwoʋushe bgenyu, Nokuparidza simba renyu; Kuti ʋaziʋise ʋanakomana ʋaʋanhu maɓasa ake anesimba, Nokubginya kwoʋumambo bgoʋushe bgake. Ʋushe bgenyu ndibgo ʋushe ʋusiŋgaperi, Noʋumambo bgenyu ʋucagara nokusiŋgaperi.