Mapisarema 143:7-12
Mapisarema 143:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kasikai kundipindura TENZI ndapererwa ini, musavanze uso hwenyu ndingadaro ndikaita savaya vanoenda kuguva. Regai ndinzwe nezvemwoyochena wenyu mangwanani nokuti ndinovimba nemi. Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo, nokuti ndinosimudzira pfungwa nemwoyo wangu kunemi. Ndinunureiwo kuvavengi vangu TENZI ndinopotera kwamuri. Ndidzidziseiwo kuita kuda kwenyu nokuti ndimi Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire nomunzira yakati sandara. Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu nokuda kwezita renyu, pamusana poururami hwenyu, ndiburitseiwo mumatambudziko. Pamusana pomwoyochena wenyu, paradzai vavengi vangu, muparadze mhandu dzangu dzose nokuti ndiri muranda wenyu.
Mapisarema 143:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba. Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri. Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri. Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere. Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu. Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.
Mapisarema 143:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba. Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri. Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemi. Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere. Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu. Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu.
Mapisarema 143:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kasikai kundipindura TENZI ndapererwa ini, musavanze uso hwenyu ndingadaro ndikaita savaya vanoenda kuguva. Regai ndinzwe nezvemwoyochena wenyu mangwanani nokuti ndinovimba nemi. Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo, nokuti ndinosimudzira pfungwa nemwoyo wangu kunemi. Ndinunureiwo kuvavengi vangu TENZI ndinopotera kwamuri. Ndidzidziseiwo kuita kuda kwenyu nokuti ndimi Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire nomunzira yakati sandara. Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu nokuda kwezita renyu, pamusana poururami hwenyu, ndiburitseiwo mumatambudziko. Pamusana pomwoyochena wenyu, paradzai vavengi vangu, muparadze mhandu dzangu dzose nokuti ndiri muranda wenyu.
Mapisarema 143:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kurumidzai kundipindura, Jehova; mŋeya waŋgu waziya; Regai kundiʋanzira ciso cenyu; Ndigosaʋa saʋanoɓurukira kugomba. Ndinzwisei ʋunyoro bgenyu maŋgwanani; Nokuti ndinoʋimba nemi; Ndiziʋisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri. Ndirwirei Jehova, panaʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ndinoʋanda nemi. Ndidzidzisei kuita kuɗa kwenyu; nokuti ndimi Mŋari waŋgu; Mŋeya wenyu, wakanaka ŋgaundifambise munyika yakati cecetere. Ndiponesei Jehova, nokuɗa kwezita renyu; Ƃuɗisai mŋeya waŋgu pakumanikidzwa nokururama kwenyu. Pedzai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noʋunyoro bgenyu, Muparadze ʋose ʋanomanikidza mŋeya waŋgu; Nokuti ndiri muranda wenyu.