Mapisarema 143
143
Davidi unokumbira kuti Jehova acimbidzike kumurwira.
Pisarema raDavidi.
1Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova; tererai kukumbira kwaŋgu;
Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
2Regai kutoŋga muranda wenyu;
Nokuti hapanomunhu mumŋe mupenyu uŋgaruramiswa pamberi penyu.
3Nokuti muʋeŋgi wakatambudza mŋeya waŋgu;
Wakatsikirira ʋupenyu bgaŋgu pasi;
Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa.
4Saka mŋeya waŋgu waziya mukati maŋgu;
Mŋoyo waŋgu wavunduswa mukati maŋgu.
5Ndinoraŋgarira mazuʋa akare;
Ndinofuŋgisisa ɀose ɀamakaita;
Ndinofuŋga ɓasa ramaʋoko enyu.
6Ndinotambanudzira maʋoko aŋgu kwamuri;
Mŋeya waŋgu unokushuʋai senyika yakawomerwa.
7Kurumidzai kundipindura, Jehova; mŋeya waŋgu waziya;
Regai kundiʋanzira ciso cenyu;
Ndigosaʋa saʋanoɓurukira kugomba.
8Ndinzwisei ʋunyoro bgenyu maŋgwanani;
Nokuti ndinoʋimba nemi;
Ndiziʋisei nzira yandinofanira kufamba nayo;
Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri.
9Ndirwirei Jehova, panaʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Ndinoʋanda nemi.
10Ndidzidzisei kuita kuɗa kwenyu; nokuti ndimi Mŋari waŋgu;
MÅ‹eya wenyu, wakanaka Å‹gaundifambise munyika yakati cecetere.
11Ndiponesei Jehova, nokuÉ—a kwezita renyu;
Ƃuɗisai mŋeya waŋgu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
12Pedzai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noʋunyoro bgenyu,
Muparadze ʋose ʋanomanikidza mŋeya waŋgu;
Nokuti ndiri muranda wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 143: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018