Mapisarema 124:1-8
Mapisarema 124:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu, apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.
Mapisarema 124:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dai Jehovha asaiva nesu, Isiraeri ngavadaro; Dai Jehovha asaiva nesu, Panguva yatakamukirwa navanhu; Vangadai vakatimedza tiri vapenyu, Panguva yatakamukirwa nehasha dzavo; Mvura zhinji ingadai yakatifukidza, Rwizi rungadai rwakapfuura napamusoro pomweya wedu. Mvura zhinji, inozvikudza, ingadai yakapfuura napamusoro pomweya wedu. Jehovha ngaarumbidzwe, Iye asina kutiisa kuti tiparadzwe nameno avo. Mweya wedu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri; Rugombe rwadambuka, isu tapukunyuka. Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Akaita kudenga napasi.
Mapisarema 124:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai pasina kuti TENZI aiva kudivi kwedu Isiraeri ngaiti, “Dai pasina kuti TENZI aiva kudivi kwedu patakamukirwa navanhu, vangadai vakatimedza tiri vapenyu pavakativirukira nehasha. Ipapo mafashamo emvura angadai akatiyeredza, mapopopo angadai akatitsvaira. Mvura ine simba ingadai yakatiti fushe fushe.” TENZI ngaarumbidzwe asina kutirega tichiwira mukanwa mavo senyama. Takapunyuka seshiri pamusungo wavatei veshiri, musungo wadambuka tikapunyuka. Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTENZI akasika denga napasi.
Mapisarema 124:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƌai Jehova asaiʋa nesu, Israeri ŋgaʋaɗaro; Ƌai Jehova asaiʋa nesu, Paŋguʋa yatakamukirwa naʋanhu; Ʋaŋgaɗai ʋakatimedza tiri ʋapenyu, Paŋguʋa yatakamukirwa nehasha dzaʋo; Mvura zhinji iŋgaɗai yakatifukidza, Rwizi ruŋgaɗai rwakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu. Mvura zhinji, inoɀikudza, iŋgaɗai yakapfuʋura napamsoro pomŋeya weɗu. Jehova ŋgaarumbidzwe, Iye usina‐kutiisa kuti tiparadzwe nameno aʋo. Mŋeya weɗu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri; Rugombe rwaɗambuka, isu tapukunyuka. Kuɓatsirwa kweɗu kuri muzita raJehova, Wakaita kuɗeŋga napasi.
Mapisarema 124:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)