Mapisarema 121:2-5
Mapisarema 121:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi
Mapisarema 121:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri. Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata. Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
Mapisarema 121:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rubatsiro rwangu runobva kuna TENZI akasika denga napasi. Haaregi tsoka yako ichitsvedzemuka iye anokuchengeta haatsomwaire nehope. Onai iye anochengeta Isiraeri haatsomwaire nehope kana kukotsira. TENZI ndiye muchengeti wako TENZI ndiye mumvuri wako kurudyi rwako.
Mapisarema 121:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɓatsirwa kwaŋgu kunobva kunaJehova, Wakaita kuɗeŋga napasi. Haaŋgatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muceŋgeti wako haaŋgakotsiri. Tarirai, muceŋgeti waIsraeri Haaŋgakotsiri kana kuʋata. Jehova ndiye muceŋgeti wako; Jehova ndiye mumvuri wako paruʋoko rwako rworudyi.
Mapisarema 121:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)