Mapisarema 119:97-120
Mapisarema 119:97-120 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.
Mapisarema 119:97-120 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu. Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama. Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu. Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomwoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga. Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu. Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu. Ndakarerekera mwoyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma. Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga.
Mapisarema 119:97-120 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu.
Mapisarema 119:97-120 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko! Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose. Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi. Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose; Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa. Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndiceŋgete shoko renyu. Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu! Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu! Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere; Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu, Neciedza panzira yaŋgu. Ndakapika, ndikaɀisimbisa, Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndinotambudzika kwaɀo; Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu. Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu, Mundidzidzise ɀamakatoŋga. Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu. Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi; Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu. Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu, Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma. Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri; Asi ndinoɗa murau wenyu. Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa; Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu. Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu. Nditsigirei, ndiceŋgetwe, Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu. Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema. Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro; Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu. Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai; Ndinotya ɀamakatoŋga.
Mapisarema 119:97-120 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)