Mapisarema 119:97-105
Mapisarema 119:97-105 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
Mapisarema 119:97-105 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu.
Mapisarema 119:97-105 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu
Mapisarema 119:97-105 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko! Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose. Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi. Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose; Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa. Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndiceŋgete shoko renyu. Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu! Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu! Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere; Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu, Neciedza panzira yaŋgu.
Mapisarema 119:97-105 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)