Mapisarema 119:89-96
Mapisarema 119:89-96 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.
Mapisarema 119:89-96 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.
Mapisarema 119:89-96 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu.
Mapisarema 119:89-96 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga Nokusiŋgaperi, Jehova. Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema; Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu. Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru, Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu. Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu; Nokuti makandiponesa naɀo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze; Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana, Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo.
Mapisarema 119:89-96 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)