Mapisarema 119:73-76
Mapisarema 119:73-76 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
Mapisarema 119:73-76 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu.
Mapisarema 119:73-76 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu.
Mapisarema 119:73-76 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Maʋoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Ʋanokutyai ʋacandiʋona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziʋa, Jehova, kuti ɀamakatoŋga ɀakarurama, Ʋuye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Seɀamakareʋa kumuranda wenyu.
Mapisarema 119:73-76 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)