Mapisarema 119:56-62
Mapisarema 119:56-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu. Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
Mapisarema 119:56-62 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvandakanga ndinazvo, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu. Ndakakumbira chiso chenyu nomwoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu. Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu. Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu. Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau wenyu. Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama.
Mapisarema 119:56-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndozvanguwo izvozvo zvokuti ndakachengeta mitemo yenyu. TENZI ndiye nhaka yangu, ndinotsidza kuchengeta shoko renyu. Heti Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose kuti mundicheukewo, ndinzwireiwo ngoni sokutsidza kwenyu. Ndikafunga makwara enyu ndinobva ndatendeuka ndotevera mitemo yenyu. Ndinokurumidza, handinonoki kuchengeta mitemo yenyu. Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya handikanganwi mutemo wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama.
Mapisarema 119:56-62 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova ndiye mugoʋe waŋgu; Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu. Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose; Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndakafuŋga nzira dzaŋgu, Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu. Ndakakurumidza, handina‐kunonoka Kuceŋgeta mirairo yenyu. Maɓote aʋakaipa akandimonera; Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu. Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama.
Mapisarema 119:56-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)