Mapisarema 119:105-112
Mapisarema 119:105-112 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo.
Mapisarema 119:105-112 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.
Mapisarema 119:105-112 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu. Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama. Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu. Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomwoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga. Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu. Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu. Ndakarerekera mwoyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.
Mapisarema 119:105-112 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo.
Mapisarema 119:105-112 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu, Neciedza panzira yaŋgu. Ndakapika, ndikaɀisimbisa, Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndinotambudzika kwaɀo; Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu. Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu, Mundidzidzise ɀamakatoŋga. Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu. Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi; Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu. Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu, Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma.