Mapisarema 118:15-24
Mapisarema 118:15-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru! Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!” Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona; Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.
Mapisarema 118:15-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda. Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha. Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa. Ndizarurirei masuo okururama; Ndichapinda navo, ndivonge Jehovha. Iri ndiro suo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, Mukava muponesi wangu. Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona. Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona. Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
Mapisarema 118:15-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Heyo mheterwa nemipururu yokupururudzira kukunda zvinonzwika mumatendhe avarurami. Simba rorudyi rwaTENZI rakaita zvinogara zvakadaro. Simba rorudyi rwaTENZI rinosimudzira kukunda, simba rorudyi rwaTENZI rinoita zvinogara zvakadaro. Handimbofi asi ndichatorarama ndigorondedzera mabasa aTENZI. TENZI akandiranga zvinorwadza asi haana kunditsvitsa pakufa. Ndizarurireiwo mukana woururami kuti ndiwane pokupinda napo nditende TENZI. Uyu ndiwo musuwo waTENZI; vakarurama vachapinda nawo. Ndinokutendai nokuti makandipindura mukava ruponeso rwangu. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova dombo guru rapakona. Uku kuita kwaTENZI, chinhu chinoshamisa. Iri ndiro zuva rakaitwa naTENZI ngatifarei kwazvo tipembere mariri.
Mapisarema 118:15-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatente aʋakarurama; Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda. Ruʋoko rworudyi rwaJehova rwakasimudzwa, Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda. Handiŋgafi, asi ndicararama, Ndicaɗudzira maɓasa aJehova. Kundiraŋga Jehova wakandiraŋga; Asi haana‐kundiisa pakufa. Ndizarurirei masuʋo okururama; Ndicapinda nawo, ndiʋoŋge Jehova. Iri ndiro suʋo raJehova; Ʋakarurama ʋacapinda naro. Ndicakuʋoŋgai, nokuti makandipindura, Mukaʋa muponesi waŋgu. Ibge rakarashwa naʋaʋaki Ndiro rakazoʋa musoro wekona. Ici cinhu cakabva kunaJehova; Ɀinoshamisa kana ticiɀiʋona. Rino izuʋa rakaitwa naJehova; Ŋgatifare kwaɀo tirifarire.
Mapisarema 118:15-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)