Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 118:15-24

Mapisarema 118:15-24 SUB1949

Inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatente aʋakarurama; Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda. Ruʋoko rworudyi rwaJehova rwakasimudzwa, Ruʋoko rworudyi rwaJehova runokunda. Handiŋgafi, asi ndicararama, Ndicaɗudzira maɓasa aJehova. Kundiraŋga Jehova wakandiraŋga; Asi haana‐kundiisa pakufa. Ndizarurirei masuʋo okururama; Ndicapinda nawo, ndiʋoŋge Jehova. Iri ndiro suʋo raJehova; Ʋakarurama ʋacapinda naro. Ndicakuʋoŋgai, nokuti makandipindura, Mukaʋa muponesi waŋgu. Ibge rakarashwa naʋaʋaki Ndiro rakazoʋa musoro wekona. Ici cinhu cakabva kunaJehova; Ɀinoshamisa kana ticiɀiʋona. Rino izuʋa rakaitwa naJehova; Ŋgatifare kwaɀo tirifarire.