Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 116:1-19

Mapisarema 116:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu. Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu. Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!” Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.” Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.” Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri? Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha. Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose. Chinhu chinokosha pamberi paJehovha ndirwo rufu rwavatsvene vake. Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; makandisunungura pangetani dzangu. Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri, uye ndichadana kuzita raJehovha. Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha, pamberi pavanhu vake vose, pavanze dzeimba yaJehovha, mukati mako, iwe Jerusarema.

Mapisarema 116:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndinoda Jehovha, nokuti anonzwa Izwi rangu nokukumbira kwangu. Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose. Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema. Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu. Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi. Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa. Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; Nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka. Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Netsoka dzangu pakugumburwa. Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu. Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, “Ndakamanikidzwa kwazvo;” Ndakati pakuvhunduka kwangu, “Vanhu vose vanoreva nhema.” Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri? Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha. Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose. Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake. Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu. Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha. Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose; Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!

Mapisarema 116:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndinoɗa Jehova, nokuti unonzwa Inzwi raŋgu nokukumbira kwaŋgu. Ɀaakarereka nzeʋe yake kwandiri, Ndicaɗana kwaari mazuʋa aŋgu ose. Misuŋgo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandiɓata; Ndakawana kutambudzika nokucema. Ipapo ndakaɗana zita raJehova; Haiwa Jehova, ndinonyeŋgetera kuti murwire mŋeya waŋgu. Jehova unenyasha, wakarurama; Ɀirokwaɀo, Mŋari weɗu unetsitsi. Jehova unoceŋgeta ʋasinamano; Ndakaŋga ndashaiwa simba, iye akandiponesa. Dzokera kuzororo rako, mŋeya waŋgu; Nokuti Jehova wakakuitira ɀakanaka. Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu, Nameso aŋgu pamisodzi, Netsoka dzaŋgu pakugumburwa. Ndicafamba pamberi paJehova Panyika yaʋapenyu. Ndakatenda pakutaura kwaŋgu, ndiciti: Ndakamanikidzwa kwaɀo; Ndakati pakuvunduka kwaŋgu: Ʋanhu ʋose ʋanoreʋa nhema. Ndicaʋigireiko Jehova Pamsoro pemikomborero yake yose kwandiri? Ndicasimudza mukombe wokuponeswa, Ndiciɗana zita raJehova. Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu, Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose. Cinhu cinokosha pamberi paJehova, Ndirwo rufu rwaʋatȿene ʋake. Haiwa Jehova, ɀirokwaɀo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mŋanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunuŋgura misuŋgo yaŋgu. Ndicakuɓayirai ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga, Ndiciɗana zita raJehova. Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu, Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose; Paʋazhe dzeimba yaJehova, Mukati mako, iwe Jerusarema. Hareruya!