Ndinoda TENZI nokuti akanzwa izwi rangu nechichemo changu; nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri naizvozvo ndichadaidzira kwaari chero ndichiri mupenyu. Misungo yorufu yakandikomba, kurwadza kwenzvimbo yavakafa kwakandibata. Ndakaona nhamo namatambudziko. Ndakazodana zita raTENZI ndichiti, “Ndinokukumbirai TENZI ndinunureiwo.” TENZI wakanaka, akatendeka; Mwari wedu ane tsitsi. TENZI anochengeta vanhuwo zvavo. Pandakanga ndasakadzwa nenhamo, akandinunura. Mwoyo wangu dzikama zvako nokuti TENZI akandiitira zvakanaka nokuti makandinunura kurufu mukandipukuta misodzi mukanditsigira kuti ndirege kuwa. Saizvozvo ndinofamba ndiina TENZI munyika yavapenyu. Ndakaramba ndiine chitendero changu, kunyange ndaiti zvangu, “Ndiri kutambudzika zvikuru.” Pandakanga ndazunzika kudaro ndakati, “Kuvimba nomunhu hakuna maturo.” Ko TENZI ndichamupeiko pane zvizhinji zvaakandipa? Ndichapira mukombe womuteuro woruponeso ndichidaidza zita raTENZI. Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI vanhu vake vose vachiona. Kuna TENZI, rufu rwavarurami vake rwakakosha. TENZI ini ndiri muranda wenyu. Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu, makandinunura kurufu. Ndichapira kwamuri chibayiro chokutenda ndichinamata zita raTENZI. Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI vanhu vake vose vachizviona mumipanda yemba yaTENZI mukati mako iwe Jerusaremu. Areruya.
Verenga chikamu Nziyo 116
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 116:1-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo