Mapisarema 111:7-10
Mapisarema 111:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa. Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.
Mapisarema 111:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba. Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama. Akatumira vanhu vake rudzikinuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa. Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.
Mapisarema 111:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mabasa amaoko ake anotendeseka uye anoruenzaniso, mitemo yake inovimbika. Ipfirapo narini narini, yakatemwa mukutendeka nomuchokwadi. Akatuma ruponeso kuvanhu vake; akasunga chitenderano chake nokusingaperi, zita rake rinoera uye rinotyisa. Kutya TENZI ndiko kutanga kwoungwaru, vose vanoita kudaro vanobva vava nokunzwisisa chaiko. Mwari acharumbidzwa nokusingaperi.
Mapisarema 111:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Maɓasa amaʋoko ake iɀokwaɗi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba. Yakasimbiswa nokusiŋgaperi‐peri, Yakaitwa neɀokwaɗi nokururama. Wakatumira ʋanhu ʋake rudzikinuro; Wakaraira suŋgano yake nokusiŋgaperi; Zita rake idɀene rinotyisa. Kutya Jehova ndiko kutaŋga kwoʋucenjeri; Ʋose ʋanoɀiita ʋanomuraŋgariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusiŋgaperi.
Mapisarema 111:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)