Mapisarema 107:28-30
Mapisarema 107:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida.
Mapisarema 107:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida.
Mapisarema 107:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamadambudziko avo. Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara. Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
Mapisarema 107:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida.
Mapisarema 107:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo, Iye ndokuʋaɓuɗisa pamaɗambudziko aʋo. Unonyaradza ɗutu remhepo, Mafuŋgu aro ndokunyarara. Ipapo ʋanofara nokuti anyarara; Ɀino iye ndokuʋaȿitsa pakadzikama paʋaiɗa kuʋa’po.