Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:17-42

Mapisarema 107:17-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota, uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo. Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera; ndipo paakagarisa vane nzara, uye vakavaka guta ravangagara. Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka; akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara. Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa; iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

Mapisarema 107:17-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedyo namasuo orufu. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba. Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji; Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika. Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro. Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo. Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamadambudziko avo. Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara. Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru. Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma; Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi. Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura. Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo; Vadyare minda, vasime minda yemidzambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji. Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa. Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya mwoyo. Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira. Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai. Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.

Mapisarema 107:17-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Uye ngavapire chibayiro chokutenda vaparidze mabasa ake nenziyo dzorufaro. Pane vamwe vakaenda kugungwa nengarava vachiita ushambadzi vari mumvura zhinji. Vakaona zvinoita TENZI, zviito zvake zvinoshamisa makadzika. Akataurira dutu kuti risimuke rikasimudza masaisai egungwa. Vaimboti mudenga kata vozomboti pasi pasi vido pakadzika, vakapererwa nechivindi mujambwa ravo rakaipa. Vakadzengedzeka vakadzadzarika savanhu vakadhakwa vapererwa nopfungwa. Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Ngavamurumbidze mugungano ravanhu vamurumbidze musangano ravakuru vakuru. Anosandura nzizi kuva gwenga zvisipiti zvomvura zvichiva ivhu rine nyota nyika inobereka ichiva renje romunyu nechikonzero chouipi hwavagari vayo. Anosandura gwenga richiva madziva emvura nyika yakaoma ichiva zvisipiti zvemvura. Vanenzara vanotonoita musha ipapo vachitovaka guta rokugara vachitodyara minda, vachitosima migirepisi vachiwana kukohwa kwakanaka. Ivo pachavo aivakomborera vachitowanda kwazvo asingabvumiri kuti zvipfuwo zvavo zvishomeke, kana vainge vashomekeswa, vaitwa vanhu vasina maturo pamusana pokudzvinyirirwa kana kuti nenhamo kana nokusuruvara. Aizvidza machinda achiita kuti vadzengerere murenje asi anobvisa kunhamo vasina chavanacho achiwanza mhuri dzavo samatanga ezvipfuo Vakarurama vanozviona vagofara; asi vakaipa vose vachati muromo kapu nazvo.

Mapisarema 107:17-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mapenzi anotambudzika nokuɗa kwokuɗarika kwawo, Ʋuye nokuɗa kwaɀakaipa ɀawo. Mŋeya waʋo unosema ɀokudya ɀose; Ʋanosweɗera pedyo namasuʋo orufu. Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo, Iye unoʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Unotuma shoko rake, ndokuʋaporesa, Nokuʋarwira pakuparadzwa kwaʋo. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Ŋgaʋaɓayire ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga, Nokuɗudzira maɓasa ake nokuimba. Aʋo, ʋanoɓurukira kuguŋgwa muɀikepe, Ʋanoshambadzira kumvura zhinji; Ndiʋo ʋanoʋona maɓasa aJehova, Neɀishamiso ɀake pakadzika. Nokuti unoraira, ndokumutsa ɗutu guru, Rinomutsa mafuŋgu aro. Ʋanosimudzirwa kuɗeŋga, ndokuɓurukira ɀe pakadzika; Mŋeya waʋo unonyauka nokuɗa kwenhamo. Ʋanondeya‐ndeya nokudzeŋgedzeka somunhu wakaɓatwa, Ʋapera mano. Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo, Iye ndokuʋaɓuɗisa pamaɗambudziko aʋo. Unonyaradza ɗutu remhepo, Mafuŋgu aro ndokunyarara. Ipapo ʋanofara nokuti anyarara; Ɀino iye ndokuʋaȿitsa pakadzikama paʋaiɗa kuʋa’po. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake anoshamisa aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Ŋgaʋamukudzise ʋo paʋuŋgano yaʋanhu, Ʋamurumbidze pamakurukota aʋakuru. Unoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakawoma; Nyika, inoɓereka ɀakanaka, iʋe saŋgo reɓare, Nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋanogara mairi. Unoshandura renje riite dziʋa remvura, Nenyika yakawoma iite matsime emvura. Ndipapo paanogarisa ʋanenzara, Kuti ʋamutse guta rokugara’mo; Ʋadɀare minda, ʋasime minda yemizambiriŋga, Ʋawane ɀiɓereko ɀizhinji. Wakaʋaropafadza ʋo, ʋakawanda kwaɀo; Akasatendera ɀipfuwo ɀaʋo kutapudzwa. Ɀino ʋakatapudzika nokuʋa ʋashoma Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuɀidya mŋoyo. Unoɗurura kuɀidza pamsoro pamacinda, Aciʋadzuŋgaidza murenje musinenzira. Kunyaŋge ɀakaɗaro, unogadza mushaiwi kumsoro kusineɗambudziko, Acimumutsira mhuri samapoka amakwai. Wakarurama ucaɀiʋona, akafara; Ʋuye ɀakaipa ɀose ɀicadziʋirwa muromo waɀo.

Mapisarema 107:17-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)