Mapisarema 107:10-16
Mapisarema 107:10-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare, nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira, nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.
Mapisarema 107:10-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare, Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro; Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamadambudziko avo. Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
Mapisarema 107:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vaigara murima nomuzarima vari vasungwa vari munhamo vakasungwa nesimbi nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari vakazvidza zano roWokumusorosoro. Vakanga vasvipa mwoyo nebasa rakaomarara vakawira pasi pasina anovabatsira. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura mupfumvu yavo. Akavaburitsa murima nomuzarima akadambura misungo yavo. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi.
Mapisarema 107:10-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiʋo, ʋakaŋga ʋagere murima nomumvuri worufu, Ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mukutambudzika namatare, Nokuti ʋakamukira mashoko aMŋari, Ʋakashoʋora zano roWokumsoro‐soro; Saka wakaninipisa mŋoyo yaʋo nokutambura; Ʋakawira pasi, kukasaʋa nomunhu unoɓatsira. Ipapo ʋakacema kunaJehova panhamo yaʋo, Akaʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Wakaʋaɓuɗisa parima nomumvuri worufu, Akaɗamburanya ɀisuŋgo ɀaʋo. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti wakavuna masuʋo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
Mapisarema 107:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)